{"product_id":"9781914287138","title":"Wemarengenya Haauruki Moto","description":"Moyo chena unouraisa. Simba mukomana achangozvipedzera zvake dzidzo paUniversity of Zimbabwe. Anozvipira kuyamura Shamiso uyo waanononga padivi pemugwagwa paanosiya akandwa naBhanditi nechikwata chake. Paanosvika kumba kwavabereki vake anobva anzi ndiye Bhanditi adzoka. Anovharirwa mumba achinzi anozoburitswa kana chikwata chake chadzora zvachakabvuta. Simba aitarisira kutendwa asi hazvina kuita sokufunga kwake. Nyaya yaMushamba irondedzero yeruvhunambwa rwuri kutiza mazimbwa ane ukasha ari kungoti dai arubata akanyika meno mumunyepfu warwo irwo rwuchiavhunanisa mukuruumburudza ruchipoya nemumateya mawo apo anenge arumbumura. Inopinda mumakomba egoridhe, mumipata yezvinodhaka pamwe nemumachokoto euterera, zvichipa muverengi kufunga kuti, \u003cem\u003ekurarama chii munyika?\u003c\/em\u003e Zvino iye wemarengenya angacharika marimi emoto akasabatira here? Ko akabatira moto achaudzimura sei uye nani?\u003cp\u003eZvinzwirei hudobidobi hwenyaya inosiririsa yakanyorwa zvemhando yepamusoro. \u003c\/p\u003e","brand":"Carnelian Heart Publishing Ltd","offers":[{"title":"Default Title","offer_id":48577016561905,"sku":"9781914287138","price":13.43,"currency_code":"USD","in_stock":true}],"thumbnail_url":"\/\/cdn.shopify.com\/s\/files\/1\/0674\/5433\/7265\/files\/9781914287138_p0.jpg?v=1786897339","url":"https:\/\/shop.barnesandnoble.com\/products\/9781914287138","provider":"Barnes \u0026 Noble","version":"1.0","type":"link"}